Ukangodaro Lyrics
- Genre:Gospel
- Year of Release:2022
Lyrics
Uchanzwa vachihwereketa
Vachiti unoshereketa
Mashoko unoserengenda
Pagomo unosekerera
Vachati unopengereka
Vachati dzinotenderera
Paburi retsono unosenerera
Mabasa emawoko unokwenenzvera
Mashoko unoregedzera
Unotenderedza
Dzinotenderera
Dzinotengesera
Ukangodaro
Kwako
Kunobva kwatova
Kuseri
Kwekumberi
Ndati ukangodaro
Kwako
Kunobva kwatova
Kuseri
Kwekumberi
Ndauya nerayiro kwauri sechikoro
Ndichiti aiwa rega kungopepereka segondo
Tova hana dzikamisa zidzoro
Ukangobvuma kushandiswa sengoro
Ramangwana rako
Ringatodhakwa
Zvekudhakwa
Kwekudhakwa
Uchinge wadhakwa
Wakutoita zvetsoro
Makutoita zvedoro
Usada kusvika usati wasvika
Ukazosvika pawanzi usvike
Nevakuti svika
Ivo vasati voda kuti usvike
Iwe wobva wasvika
Unenge watosvika
Asi ukangoteedzera rayiro iyi
Kwako
Kunobva kwatova
Kuseri
Kwekumberi
Ndati ukangodaro
Kwako
Kunobva kwatova
Kuseri
Kwekumberi
Mwanasikana ngwarira muviri wako
Muviri wako muviri wako
Chirega kuzviona seuri mubako
Unozosara wava mugango
Waramba rayiroka zvazvako
Rega kungopfichuka
Kupfichuka kupfichuka
Chasara kupfachuka
Njere dzakadambuka
Hunhu wakafumuka
Washaiwa pekugara here