NDIPINDUREIWO ft. Midlands Catholic Chorale Lyrics
- Genre:Gospel
- Year of Release:2022
Lyrics
Ko mucharamba muchindikanganwa kusvikira riniko nhai Tenzi
Mucharamba makandivanzira chiso chenyu kusvikira riniko
Riniko
Riniko
Kusvikira riniko
Ko ndicharwadziwa moyo kusvikira riniko
Ndine shungu mumoyo mangu siku nesikati here
Ko muvengi wangu achagara akanditsikirira kusvikira riniko
Zvino chizvionai mundipindure imi Tenzi
Mwari wangu svinudzai meso angu
Kuti ndisavata hope
Dzorufu
Asi ini ndinovimba nenyasha dzenyu mandiponesa
Moyo wangu uchafara ndichaimbira Tenzi
Nokuti akandiitira zvakanaka
Asi ini ndinovimba nenyasha dzenyu mandiponesa
Moyo wangu uchafara ndichaimbira Tenzi
Nokuti akandiitira zvakanaka
Kuti muvengi wangu arege kuzoti ndamukunda
Mhandu dzangu dzichizopembera
Kana ndikanga ndazunzwa