Tenzi Lyrics
- Genre:Reggae
- Year of Release:2023
Lyrics
Handizive Ishe wangu handizive
Tarisai vakoma zvakadzima
Isu vani'ina tokurira murima
Chekuita nechekudya hatina
Vana mai vedu misodzi vachishimha
Zvinondibaya pamoyo zvinodzimba
Ini nevezera rangu tarasika musango
Haina mugoni pwere ndakadzidzaa
Vasina kubara ndivo ngavaseke havo
Ndine Tariro Tenzi
Kuti nerimwe zuva munyika yangu zuva richabuda
Ndine Tariro Tenzi
Kuti pandakarima pacha donhera mvura
Ndine Tariro Tenzi
Ndichazove naye we pamoyo wandinoda
Ndine Tariro Tenzi
Tichazoonana nevatakasiya kumakuvaa
Handizive handizive
Ishe wangu Handizive
Zvamakandirongera handizive
Pashoma pandinapo handinyime
Asi rakagomara Banga handivhime
Ndakangomirira munana Ishee
Pachadhinda pandatsika hapadzime
Asi zvine nharo sungabdzisimbe